2 Kings 19

Kununurwa kweJerusarema kunoziviswa

1Mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha. 2Akatuma Eriakimi mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori navatungamiri vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi. 3Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nokunyadziswa, sezvinoita vana vasvika pakuzvarwa ipo pasina simba rokusununguka. 4Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavarwi, akatumwa natenzi wake, mambo weAsiria, kuzozvidza Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka nokuda kwamashoko akanzwikwa naJehovha Mwari wenyu. Naizvozvo unyengeterere vakasara avo vachiri vapenyu.”

5Vabati vaHezekia vakati vasvika kuna Isaya, 6Isaya akati kwavari, “Udzai tenzi wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya mashoko awakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria. 7Tarira, ndichaisa mweya maari wokuti paanonzwa mamwe mashoko, achadzokera kunyika yake, uye ndichaita kuti aurayiwe nomunondo ikoko.’ ”

8Mukuru wavatariri paakanzwa kuti mambo weAsiria akanga abva kuRakishi, akadzoka akabva akaenda akandowana mambo achirwa neRibhina.

9Zvino Senakeribhi akagamuchira chiziviso chaiti Tirihaka, mambo weEtiopia akanga achifamba achiuya kuzorwa naye. Saka akatumazve nhume kuna Hezekia neshoko iri rokuti: 10“Muti kuna Hezekia mambo weJudha: Musarega Mwari wamunovimba naye achikunyengedzai paanoti, ‘Jerusarema harizopiwa mumaoko amambo weAsiria.’ 11Zvirokwazvo makanzwa zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose, vachidziparadza zvachose. Zvino imi mucharwirwa here? 12Ko, vamwari vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzitateguru angu: vamwari veGozani, neHarani, neRezefi navanhu veEdheni vakanga vari muTeri Asari, vakavarwira here? 13Ko, mambo weHamati aripi, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefarivhaimi, weHena kana neIvha?”

Munyengetero waHezekia

14Hezekia akagamuchira tsamba kubva kunhume uye akaiverenga. Ipapo akaenda kutemberi yaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha. 15Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, imi mugere pakati pamakerubhi, imi moga ndimi Mwari pamusoro poushe hwose hwapasi. 16Rerekerai nzeve, imi Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, imi Jehovha, muone; inzwai mashoko Senakeribhi aakatuma kuti azozvidza nawo Mwari mupenyu.

17“Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi nenyika dzavo. 18Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo, akaumbwa namaoko avanhu. 19Haiwa Jehovha Mwari wedu, zvino chitirwirai kubva muruoko rwake, kuitira kuti umambo hwose hwapanyika huzive kuti imi moga, ndimi Mwari.”

Isaya anoprofita pamusoro pokuwa kwaSenakeribhi

20Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekia akati, “Zvanzi naJehovha: Mwari waIsraeri: Ndanzwa munyengetero wako pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria. 21Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake:

“ ‘Mhandara Mwanasikana weZioni
anokushora uye anokuseka.
Mwanasikana weJerusarema
anogutsurira musoro uchitiza.
22Ndianiko wawakazvidza uye ukamhura?
Wakasimudzira inzwi rako kuna aniko
uye ukasimudza meso ako mukuzvikudza?
Ndiye Mutsvene waIsraeri!
23Nenhume dzako
wakaunganidza zvituko kuna Jehovha.
Uye wakati,
“Nengoro dzangu zhinji
ndakakwira makomo marefu,
nzvimbo refu refu dzeRebhanoni.
Ndakatemera pasi misidhari yayo yakareba,
nemipaini yayo yakaisvonaka.
Ndakasvika kumasango ayo kure kure,
masango ayo akanakisisa.
24Ndakachera matsime munyika yavatorwa,
uye ndikanwa mvura ikoko.
Netsoka dzangu ndakaomesa
hova dzose dzeIjipiti.”

25“ ‘Hauna kunzwa here?
Ndakazviita kare kare.
Mumazuva akare ndakazvironga;
zvino ndaita kuti zviitike,
kuti wakashandura maguta
akakomberedzwa akava murwi wamatombo.
26Vanhu vawo, vakapedzwa simba,
vakavhundutswa uye vakanyadziswa.
Vakafanana nembesa dziri muminda,
samabukira omuriwo mutete akasvibira,
souswa huri pamusoro pemba,
hwakatsva husati hwakura.

27“ ‘Asi ndinoziva paunogara,
uye kwaunobva nokwaunoenda,
uye kuti wakanditsamwira sei.
28Nokuti wakanditsamwira
uye kuzvikudza kwako kwasvika munzeve dzangu,
ndichaisa chiredzo changu mumhino dzako,
nematomhu angu mumuromo mako,
uye ndichakuita kuti udzokere
nenzira yawakauya nayo.’
29“Ichi ndicho chichava chiratidzo chako, iwe Hezekia:

“Gore rino uchadya zvinongomera zvoga,
uye mugore rechipiri zvinobva muna izvozvo.
Asi mugore rechitatu mudyare mugokohwa,
mudyare mizambiringa uye mugodya michero yawo.
30Uyezve vakasara veimba yaJudha
vachadzika midzi pasi vagobereka michero pamusoro.
31Nokuti muJerusarema muchabuda vakasara,
uye muGomo reZioni muchabuda chikwata chavachapunyuka.
Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita.

32“Naizvozvo, zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria:

“ ‘Haazopindi muguta iri
kana kupfura museve pano.
Haangauyi mberi kwaro nenhoo,
kana kurikomberedza negomo revhu;
33Nenzira yaakauya nayo achadzokera, haazopindi muguta rino,
ndizvo zvinotaura Jehovha.
34Ndichadzivirira guta rino uye ndichariponesa,
nokuda kwangu uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.’ ”
35Usiku ihwohwo mutumwa waJehovha akaenda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu mumusasa wavaAsiria. Vanhu pavakati vachimuka mangwana acho, wanei heyo mitumbi yavakafa! 36Saka Senakeribhi mambo weAsiria akaparadza musasa akadzokera kuNinevhe akandogarako.

37Rimwe zuva, paakanga achinamata mutemberi yamwari wake Nisiroki, vanakomana vake, Adhiramereki naSharezeri vakamuuraya nomunondo, vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Copyright information for SnaBDSC